O Level Revision : Shona - Chindori

Vanyori vebvunzo dzechishona pa o level vanotasirwa kugona  kutsanangura kuti zvindori zvii;  kutsanangura maumbirwe ezvindori uye kugona  kuumba zvindori nemazwi akapiwa. Chindori chirevo chisina kushandiswa chiito.  

 

Chindori chirevo chisina kushandiswa chiito. Sokuti:

  1. Mwana uyu ndewangu.
  2. Ndini uyauya.

 

 

Maumbirwo ezvindori

 

Zvindori zvinoumbwa sezvizvi:

Chiwedzerwa chechindori + dzitsi rechindori ndi-   +  -baba

i-       +  -huku he-    +  -chi

 

Zviwedzerwa zvezvindori

Zvindori zvine zviwedzerwa zvina zvinoti /ndi-/, /i-/ hwidzazwi /H/ na/ha-/ Zviwedzerwa zvose izvi zvinofambirana nemazwi akasiyana sezvichatsanangurwa pasi. (a)  /ndi-/ chiwedzerwa ichi chine nhoredzera nhatu dzinoti /nda-/, /nde-/, /ndo-/

(i)   /ndi-/ inoshanda nemazita emupanda 1a, 2a ne 2b. Sokuti

  • ndi- + -Anesu (1a) (ndiAnesu)                               •     ndi- + - vatezvara (2a) (ndivatezvara)
  • ndi- + -ambuya (2b) (ndiambuya) (ii)  nezvisazitasingwi, sokuti
  • ndi–we                                                                    •     ndi–ye

/nda-/ inobatanidzwa

(i)   nemazita ari mumupanda 2a ne 2b, sezvizvi;

  • nda–amai (2b)                                                        •     nda–VaChuru (2a) (ii)  nezviverengo, zvinan’anuri nezviratidzi zvemipanda 2 ne 6, sokuti:
  • nda–mamwe (chiverengo 6)                                   •     nda–vaye (chinan’anuri 2)
  • nda–aya (chiratidzi 6)

/nde-, ndo-/ dzinobatanidzwa nezvimwe zvidudzirazita zvose kunze kwezvipauro. Sokuti:

  • nde–wavo (chirevamwene)                                            •     nde–vose (chirevauwandu)
  • ndo–uko (chiratidzi)                                                       •     nde–vakatukana (chiitopauro) (b)  /i-/ chinobatanidzwa nemazita uye zvipauro zvemipanda 5, 9 ne10. Sokuti:
  • i–badza (zita 5)                                                               •     i–dema (chipauro 5)
  • i–mbudzi (zita 9/10)                                                       •     i–chena (chipauro 9/10)

(c)  Hwidzazwi inobatanidzwa nemazita nezvipauro zvemipanda yose kunze kwe1a, 2a, 2b, 5, 9 ne 10 sokuti:

  • (H) mwana (1)                                                                •     (H) zvitoro (8)
  • (H) svishoma (19)

(d)  /ha-/ ine nhoredzera dzinoti /ha-, he-, ho-) inobatanidzwa nezviratidzi nezvinan’uri sezvizvi:

  • ha–ano (chinan’anuri)                                                    •     he–chi (chiratidzi)
  • ho–yo (chiratidzi)

 

Chinja mazwi ose anotevera ave zvindori.

ini

mbira

izvi

mai

 

chitoro

zvose

imbwa

Tendai

gurwe

vanochema

guyo

chimwe

vakuru

VaKereke

kusina

raChipo

vano

 

 

 

(12½)