O Level Revision : Shona - Chirevauwandu nechirevamwene

Rimwe remazita kana kuti izwi rinofanirwa kuzivikanwa nevana vari kugadzirira kunyora bvunzo dzokupera kwe form 4 chirevauwandu nechirevamwene. Chirevauwandu chidudzirazita chinoburitsa pfungwa yeuwandu hwezvinhu sokuti: Minda yose yakarimwa.

Ichi chidudzirazita chinoburitsa pfungwa yeuwandu hwezvinhu sokuti:

  • Minda yose yakarimwa.
  • Mwana uyu irombe romene.
  • Chipo anoenda kuchikoro oga zuva nezuva.

Mazwi ane ruvara rukobvu ndiwo anonzi zvirevauwandu.

 

 

Maumbirwo

Chivakashure chechirevamwene + -o-(nzvovera inoshanduka) + -dzitsi rechirevauwandu. y- + -o-+ -se >yose

nd- + -o- + -ga >ndoga

nd- + -o- + -mene > ndomene

 

Chirevauwandu chine madzitsi matatu anoti:

-ga

-se

-mene

 

vose

ndomene

 

roga

mose

vomene

 

ndoga

tose

tomene

 

toga

zvose

zvomene

 

zvoga

pose

wese

chomene

 

poga

kega

 

 

60

 

 

 

Madzitsi aya ndiwo musimboti wechirevauwandu nokudaro haashanduke. Zvivakashure zvinogona kushanduka asi dzitsi harishanduke, somuenzaniso:

Mibvunzo

 

  1. Uchipa mienzaniso yakakodzera tsanangura kuti chii chinonzi chirevauwandu?   (2)
  2. Ko, chirevauwandu chinoumbwa sei?                                                                     (2)
  3. Uchishandisa madzitsi ezvirevauwandu akasiyana-siyana umba zvirevauwandu gumi. (10)