O Level Revision : Shona - Chiverengo
Chii chinonzi chiverengo? Chiverengo chidudzirazita chinoburitsa pfungwa yekuverenga chichinyanya kunangana nenhamba sokuti: Mumwe murume.
Chiverengo chidudzirazita chinoburitsa pfungwa yekuverenga chichinyanya kunangana nenhamba sokuti:
Mumwe murume. Vakadzi vamwe.
Maumbirwo
Chiverengo chinoumbwa nechivakashure chechiverengo + dzitsi rechiverengo sokuti: Chi- +-mwe>chimwe
Munhu-+-i >munhui
Chiverengo chine madzitsi matatu anova anoti:
-mwe
-mwe
-i
Madzitsi aya anoshanda sezvinotevera:
(i) /-mwe/ inodudzira pfungwa yechinhu chimwechete sokuti: Tavaona kamwe. Mangwanani ndaona mbudzi imwe.
(ii) /-mwe/ inobvisa chinhu chiri kurehwa kubva pane zvimwe zvinhu sokuti:
Vamwe vakapasa vamwe vakafoira.
Rimwe gore ndicharoora.
(iii) /-i/ inoshanda kubvunza rudzi kana mhando yechinhu sokuti:
Mweyai wanga wamubata?
Munhui azvarwa?
Mibvunzo
- Tsanangura zvizere maumbirwo ezviverengo.
- Zviverengo zvinoita basa rei muChiShona?