O Level Revision : Shona - Donzo   rechiito - Madonzo ezviito

Donzo   rechiito   ipfungwa   dzakasiyana   dzinobudiswa   nechiito   nekushandiswa kwachinenge chaitwa muchirevo. Somuenzaniso muzvirevo zvinotevera.

Donzo   rechiito   ipfungwa   dzakasiyana   dzinobudiswa   nechiito   nekushandiswa kwachinenge chaitwa muchirevo. Somuenzaniso muzvirevo zvinotevera.

a) Vimbai atenga

b) Ndamuona achitenga

 

 

Muzvirevo zviri pamusoro chiito tenga chiri kubudisa pfungwa dzakasiyana nekuti chashandiswa zvakasiyana mumitsara. Mumuenzaniso wokutanga chiito tenga chiri kubudisa pfungwa yekuudza. Muenzaniso wechipiri chiito tenga chiri kubudisa pfungwa yekunge zvichiitika. Kusiyana kwepfungwa dzabudiswa ndiro donzo.

 

 

Mhando dzemadonzo

 

donzo rokuudza sokuti: Vakauya svondo rapera. Tichaenda kana tapedza.

 

 

donzo rekurudziro

Donzo iri rinoonekwa nechivakashure  Nga-  kana  ha- sokuti:

Ngativerenge kuti tipase bvunzo.

hatibatanei kuti tikunde muvengi.

 

 

donzo regoneko/rekwaniso

Donzo iri rinotaridza zvinhu zvinokwanisa kuitika sokuti:

Tingaende kwaMurehwa mangwana. Angachema kana mukaramba muchimuseka. Mvura inganaya kana kukaramba kuchipisa.

donzo rezvanga zvichiitika panguva iyoyo

Ndavaona vachirwa.

Vana vanga vachidzidza pasvika mapurisa.

 

 

donzo rechishuwo

Donzo  iri  rinotaridza  zviri  kushuvirwa  kana  kutarisirwa  kuti  zviitike  nokudaro rinotungamirirwa nechiito /kuti/ sokuti:

Kuti tipase tinofanira kushanda nesimba. Teerera unzwe (teerera kuti unzwe).

 

 

Chenjedzo

Zviito zvose zviri mudonzo rechishuvo zvinopedzisira nenzvovera – e.

 

 

donzo rekutuma idyai sadza. usanyima vamwe.

 

 

donzo renhevedzano

Donzo iri rine chiito chinoburitsa zvakatevera mushure mechiito chine donzo rekuudza sokuti:

Takarima munda tikadzvara mbeu. Akaba akasungwa.

 

Mibvunzo

 

Shandisa dzitsi /-bat/ muzvirevo zvine madonzo anotevera: (i) rekutuma

(ii)     rechishuwo

(iii)    rekuudza

(iv)    redudziramuiti

(v)     renhevedzano

(vi)    rezvanga zvichiitika panguva iyoyo

(vii)   rekuita

(viii)  regoneko

(ix)   rekurudziro 

a) Zviito zvine mitsara pasi zviri mumadonzo api?

(i)       Vakaenda mhiri kwemakungwa.

(ii)      Kunyora kwako hakufadzi.

(iii)     Ndingafare sei ini ndichigarotukwa. (iv)    Tanga tichifara nguva dzose.

(v)     Kuti tidye zvakanaka tinofanira kurima.

(vi)     Ngatiimbei nevamwe muchechi. (vii)   Akarohwa ndokuchema zvikuru.

(viii)  Vasikana vakaurayiwa ndevekuHarare.

(ix)   Idya sadza ndisati ndakurova.                                                                         

b) Putsa izwi rokuti /mutswa/ ugoratidza  zvivakiso zvakariumba.