O Level Revision : Shona - Donzo rechiito - Madonzo ezviito
Donzo rechiito ipfungwa dzakasiyana dzinobudiswa nechiito nekushandiswa kwachinenge chaitwa muchirevo. Somuenzaniso muzvirevo zvinotevera.
Donzo rechiito ipfungwa dzakasiyana dzinobudiswa nechiito nekushandiswa kwachinenge chaitwa muchirevo. Somuenzaniso muzvirevo zvinotevera.
a) Vimbai atenga
b) Ndamuona achitenga
Muzvirevo zviri pamusoro chiito tenga chiri kubudisa pfungwa dzakasiyana nekuti chashandiswa zvakasiyana mumitsara. Mumuenzaniso wokutanga chiito tenga chiri kubudisa pfungwa yekuudza. Muenzaniso wechipiri chiito tenga chiri kubudisa pfungwa yekunge zvichiitika. Kusiyana kwepfungwa dzabudiswa ndiro donzo.
Mhando dzemadonzo
donzo rokuudza sokuti: Vakauya svondo rapera. Tichaenda kana tapedza.
donzo rekurudziro
Donzo iri rinoonekwa nechivakashure Nga- kana ha- sokuti:
Ngativerenge kuti tipase bvunzo.
hatibatanei kuti tikunde muvengi.
donzo regoneko/rekwaniso
Donzo iri rinotaridza zvinhu zvinokwanisa kuitika sokuti:
Tingaende kwaMurehwa mangwana. Angachema kana mukaramba muchimuseka. Mvura inganaya kana kukaramba kuchipisa.
donzo rezvanga zvichiitika panguva iyoyo
Ndavaona vachirwa.
Vana vanga vachidzidza pasvika mapurisa.
donzo rechishuwo
Donzo iri rinotaridza zviri kushuvirwa kana kutarisirwa kuti zviitike nokudaro rinotungamirirwa nechiito /kuti/ sokuti:
Kuti tipase tinofanira kushanda nesimba. Teerera unzwe (teerera kuti unzwe).
Chenjedzo
Zviito zvose zviri mudonzo rechishuvo zvinopedzisira nenzvovera – e.
donzo rekutuma idyai sadza. usanyima vamwe.
donzo renhevedzano
Donzo iri rine chiito chinoburitsa zvakatevera mushure mechiito chine donzo rekuudza sokuti:
Takarima munda tikadzvara mbeu. Akaba akasungwa.
Mibvunzo
Shandisa dzitsi /-bat/ muzvirevo zvine madonzo anotevera: (i) rekutuma
(ii) rechishuwo
(iii) rekuudza
(iv) redudziramuiti
(v) renhevedzano
(vi) rezvanga zvichiitika panguva iyoyo
(vii) rekuita
(viii) regoneko
(ix) rekurudziro
a) Zviito zvine mitsara pasi zviri mumadonzo api?
(i) Vakaenda mhiri kwemakungwa.
(ii) Kunyora kwako hakufadzi.
(iii) Ndingafare sei ini ndichigarotukwa. (iv) Tanga tichifara nguva dzose.
(v) Kuti tidye zvakanaka tinofanira kurima.
(vi) Ngatiimbei nevamwe muchechi. (vii) Akarohwa ndokuchema zvikuru.
(viii) Vasikana vakaurayiwa ndevekuHarare.
(ix) Idya sadza ndisati ndakurova.
b) Putsa izwi rokuti /mutswa/ ugoratidza zvivakiso zvakariumba.