O Level Revision : Shona - Manyorererwo e Tsamba yekutsvaga basa

Vana vanonyora bvunzo dzechishona dzekupera kwegore (form 4) vanotarisirwa kuti vagone kunyora tsamba yekutsvaga basa nemazvo. Tsamba yebasa yakati siyanei neyeshamwari nezvinhu zvine chitsama izvo zvatichatsanangura pazasi.

Tsamba yebasa yakati siyanei neyeshamwari nezvinhu zvine chitsama izvo zvatichatsanangura pazasi.

 

Zvinotarisirwa mutsamba yebasa ndeizvi:

a) Kero yemunyori ndiyo inotangwa kunyorwa.

b) Kunyora zuva, mwedzi negore ranyorwa tsamba. c)   Kero yekunenge kuchienda tsamba.

d) Kwaziso ndiyo inotevera somuenzaniso: Vadiwa Changamire/Muzvare

e)

f) Zvimwe zvikamu zvose zvinotevera zvinofanira kubudisa pfungwa huru dzinopindura mubvunzo unenge wapiwa.

g) Chindima chekupedzisira chetsamba ndicho chinopeta kana kuti kupendera tsamba saka tingangoti ndiyo mhedziso yetsamba.

h) Munyori anopedzisa nekunyora zita rake rokutanga uye zita remhuri semuenzaniso: Ndini wenyu anovimbika

 

Tatenda Tawanatose

 

 

Zvisingatarisirwi kuitwa nemunyori wetsamba yebasa

a) Kunyora kero imwe chete.

b) Kubvunzana mufaro mutsamba yebasa.

c) Kunyora zuva, mwedzi uye gore risina kuzara sokuti 12.09.2017.

d) Kunyora tsamba isingabudisi pfungwa dzinenge dzabvunzwa nemubvunzo.

e) Kunyora zita rokutanga rako chete uchisiya remhuri.

f) Kunyora mwedzi wanyorwa tsamba nechirungu sokuti 23 June 2015 pachinhano chokuti 23 Chikunguru 2015.

g) Kushandisa zvimiso sokuti Tatenda.