O Level Revision : Shona - Manyorerwo e rondedzero yetsumo

Rondedzero    yetsumo    yakareruka    kushandisa zvirungamutauro. Munyori wemhando yerondedzero iyi anosungirwa kuti anyore nyaya inoenderana netsumo inenge yapihwa.

Rondedzero    yetsumo    yakareruka    kushandisa zvirungamutauro. Munyori wemhando yerondedzero iyi anosungirwa kuti anyore nyaya inoenderana netsumo inenge yapihwa.

 

Zvinotarisirwa murondedzero yetsumo:

 

  1. Mudzidzi ngaadudzire zvinoreva tsumo munhanganyaya yake.
  2. Mudzidzi ngaaruke runyaya runojekesa zvinoreva tsumo.
  3. Vatambi uye nzvimbo zvinofanira kupiwa Munyori haatenderwi kungoti mumwe murume wekune imwe nyika.
  4. Munyori anotarisirwa kunyora nyaya imwe chete kwete tunyaya twakawanda-wanda.

 

 

Mhosho dzerondedzero yetsumo

 

  1. unyora tunyaya turi munyaya.
  2. Kupa dudziro yetsumo kunopera kwerondedzero.
  3. Kusapa vatambi nenzvimbo mazita.
  4. Kusabudisa zvinoreva tsumo munyaya yerondedzero.