O Level Revision : Shona - Mutauro , Zvirungamutauro netsumo
Zvirungamutauro izwi rinoshandiswa kureva mutauro wakadzama unosanganisira tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, fananidzo neenzaniso. Basa guru rezvirungamutauro nderekuti mutauro upfume, unakidze vatauri nevateereri.
Zita rokuti zvirungamutauro rakabva pachiito runga chinoreva kuisa munyu kana nezvimwe zvingadikanwa kuti zvokudya zvinake.
Tsumo
Tsumo zhinji muChiShona dzakataurwa nevakuru vedu pasichigare ndiko kusaka chero nanhasi vanhu vachitaura vanoti vakuru vakati, Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi. Tsumo idzi dziri kuramba dzichishanda muupenyu hwedu chero nhasi uno nechikonzero chekuti mutauro weunyanzvi.
Heinoi mienzaniso yetsumo:
a) Mwana wamambo muranda kumwe. b) Chakafukidza dzimba matenga.
c) Mugoni wepwere ndoasinayo.
d) Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro.
DUDZIRAMUTAURO - Mazita
Zita izwi rinoshanda kudoma munhu, chinhu, nzvimbo, mhuka nezvimwe zvakadaro. Mazita iwaya ndiwo anoita kuti zvive nyore kuti titaure pamusoro pezvinhu. Hataigona kutaurirana tichinzwanana dai panga pasina mazita.
Heinoi mienzaniso yemazita eChiShona:
chikoro, dombo, munhu, foni, mweya, huku, munda, musikana, Tawanda, baba, kudya, seri.
Maumbirwo emazita
Mazita mazhinji anoumbwa nezvivakazwi zviviri zvinoti chivakashure nedzitsi sokuti: Chivakashure + Dzitsi = Zita.
Chivakashure |
Dzitsi |
Zita |
mu- |
-komana |
mukomana |
va- |
-komana |
vakomana |
Pamuenzaniso wapiwa pamusoro, taona kuti mazita maviri ayo ane zvivakazwi zvakasiyana zvinova mu- nava-. Izvi ndizvo zvivakashure zvemazita. Taonawo zvakare kuti mazita apiwa pamusoro ane chivakazwi chakafanana chinova -komana. Chivakazwi ichi ndicho chinonzi dzitsi uye ndicho musimboti kana kuti hwaro hwezita.
Mhando dzezvivakashure
Kune mhando mbiri dzezvivakashure.
a) Chivakashure chemhando yokutanga chinongodoma zita kana chinhu pasina kuwedzera dzimwe pfungwa pamusoro pezita sokuti:
mukomana, varume, chikoro.
Pamazita aya hapana imwe pfungwa yatapiwa pamusoro pemazita ataurwa kuburikidza nokushandisa zvivakashure zvinoti:
mu- va- chi-
b) Chivakashure chemhando yepiri chinopa dzimwe pfungwa dzinowedzeredza
Zvakare, chivakashure ichi chinouya kuruboshwe kwechivakashure chedanho rokutanga sokuti: twusadza, svikomana, zvivarume, kachikoro. Apa tiri kuona kuti zvivakashure twu-, svi-, zvi- naka- zviri kutipa dzimwe pfungwa pamusoro pemazita. Pfungwa dzinounzwa nezvivakashure izvi dzinogona kunge dziri dzekutsanangudza mamiriro emunhu kana chinhu. Naizvozvo, zvivakashure izvi zvinogona kunzi zvivakashure zvinotsanangudza.
Heinoi mimwe mienzaniso yezvivakashure zvinotsanangudza: Mupanda 11 ru- >rumbwa
Mupanda 12 ka- >kamwana
Mupanda 13 tu-, tw- >tukomana, twana Mupanda 19 svi-, sv- > svimbudzi, svana Mupanda 21 zi- >zigadzi