O Level Revision : Shona - Mutauro , Zvirungamutauro netsumo

Zvirungamutauro  izwi  rinoshandiswa  kureva  mutauro  wakadzama  unosanganisira tsumo, madimikira, nyaudzosingwi, fananidzo neenzaniso. Basa guru rezvirungamutauro nderekuti mutauro upfume, unakidze vatauri nevateereri.

Zita rokuti zvirungamutauro rakabva pachiito runga chinoreva kuisa munyu kana nezvimwe zvingadikanwa kuti zvokudya zvinake.

 

Tsumo

Tsumo zhinji muChiShona dzakataurwa nevakuru vedu pasichigare ndiko kusaka chero nanhasi vanhu vachitaura vanoti vakuru vakati, Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi. Tsumo idzi dziri kuramba dzichishanda muupenyu hwedu chero nhasi uno nechikonzero chekuti mutauro weunyanzvi.

Heinoi mienzaniso yetsumo:

 

a) Mwana wamambo muranda kumwe. b)   Chakafukidza dzimba matenga.

c) Mugoni wepwere ndoasinayo.

d) Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro.

 

 

DUDZIRAMUTAURO - Mazita

 

 

Zita izwi rinoshanda   kudoma munhu, chinhu, nzvimbo, mhuka nezvimwe zvakadaro. Mazita iwaya ndiwo anoita kuti zvive nyore kuti titaure pamusoro pezvinhu. Hataigona kutaurirana tichinzwanana dai panga pasina mazita.

Heinoi mienzaniso yemazita eChiShona:

chikoro, dombo, munhu, foni, mweya, huku, munda, musikana, Tawanda, baba, kudya, seri.

 

Maumbirwo emazita

Mazita mazhinji anoumbwa nezvivakazwi zviviri zvinoti chivakashure nedzitsi sokuti: Chivakashure + Dzitsi = Zita.

 

Chivakashure

Dzitsi

Zita

mu-

-komana

mukomana

va-

-komana

vakomana

 

Pamuenzaniso wapiwa pamusoro, taona kuti mazita maviri ayo ane zvivakazwi zvakasiyana zvinova mu- nava-. Izvi ndizvo zvivakashure zvemazita. Taonawo zvakare kuti mazita apiwa pamusoro ane chivakazwi chakafanana chinova -komana. Chivakazwi ichi ndicho chinonzi dzitsi uye ndicho musimboti kana kuti hwaro hwezita.

 

Mhando dzezvivakashure

Kune mhando mbiri dzezvivakashure.

a) Chivakashure chemhando  yokutanga  chinongodoma  zita  kana  chinhu  pasina kuwedzera dzimwe pfungwa pamusoro pezita sokuti:

mukomana,  varume,  chikoro.

Pamazita  aya  hapana  imwe  pfungwa  yatapiwa  pamusoro     pemazita  ataurwa kuburikidza nokushandisa zvivakashure zvinoti:

mu- va- chi-

 

b) Chivakashure chemhando yepiri chinopa dzimwe pfungwa dzinowedzeredza

Zvakare, chivakashure ichi chinouya kuruboshwe kwechivakashure chedanho rokutanga sokuti: twusadza, svikomana, zvivarume, kachikoro. Apa tiri kuona kuti zvivakashure twu-, svi-, zvi- naka- zviri kutipa dzimwe pfungwa pamusoro pemazita. Pfungwa dzinounzwa nezvivakashure izvi dzinogona kunge dziri dzekutsanangudza mamiriro emunhu kana chinhu. Naizvozvo, zvivakashure izvi zvinogona kunzi zvivakashure zvinotsanangudza.

Heinoi mimwe mienzaniso yezvivakashure zvinotsanangudza: Mupanda 11 ru- >rumbwa

Mupanda 12 ka- >kamwana

Mupanda 13 tu-, tw- >tukomana, twana Mupanda 19 svi-, sv- > svimbudzi, svana Mupanda 21 zi- >zigadzi