O Level Revision : Shona- Rondedzero - Rondedzero yetsumo

Iyi irondedzero yenyaya yakaitika inoenderana netsumo yakapiwa. Nyaya yacho inofanira kubata mapandi maviri etsumo, sokuti; Ndomene haichemedzi, chikamu chekutanga ndechekuburitsa zvaitwa nemunhu achiita zvinhu zvinomuwisira mumatambudziko. Chikamu chepiri ndechekubudisa matambudziko akazomuwira nekuda kwemaitiro ake oga.

Zvinhu zvinoda kungwarirwa pakunyora rondedzero yetsumo

  • kunyora tunyaya nyaya tunotsanangura tsumo.
  • kusabudisa zvinoreva tsumo munyaya.

Manyorerwe erondedzero yetsumo

  • Nyora iri nyaya imwe chete .
  • Zvinoreva  tsumo   ngazvibudiswe   nezvinoitwa   nekuitika kuvatambi.
  • Tanga waona kuti unoziva zvinoreva tsumo yakapiwa.

Muenzaniso wemubvunzo

Nyora nyaya inoenderana nemusoro unotevera:

Mwoyo muti unomera paunoda.