O Level Revision : Shona - Zviito - Madonzo ezviito

Madonzo  ezviito  zvinoreva  kureva  zvakasiyana  kwechiito  zvichienderana nokushandiswa  kwachaitwa.  Donzo ndicho chinangwa chemutauri pakutaura chiito, sokuti chinangwa chekukurudzira, chekuudza nezvimwewo.

Mhando dzemadonzo ezviito

Donzo rekuita

Donzo rekuita rinotaridza chiitiko chisina pachinogumira panguva. Donzo iri kazhinji rinoshanda nemazita ari mumupanda 15. Zviito zvine chivakashure/ku-/ kumavambo. Sokuti:

  1. Ari kutora kosi yeukoti paParirenyatwa.
  2. Vana vari kudya sadza nenyama.

Donzo rekwaniso/regoneko

Iri idonzo rinotaridza zvinhu zvinogona kuitika. Rinozikanwa nekushandisa chivakazwi /-nga-/ chinouya mukati mechiito. Sokuti:

  1. Ndingasvika kana ndikafambisa.                                          2.    Bhazi ringafamba kana rikagadzirwa.
  2. Ndingaenda hangu nemotokari.                                            4.    Vanganyora izvi kana mapedza kudzidzisa.

Donzo rekurudziro

Panobuda pfungwa yekukurudzira kuita chimwe chinhu. Rinozivikanwa nekushandiswa kwechivakazwi /nga-/ kana

/ha-/ kumavambo kwechiito. Sokuti:

  1. Ngatifambisei tikasire kusvika.
  2. Ngaaverenge kuti abudirire.
  3. Ngavaende/Havaende vose.

Chenjedzo:       Chivakiso chekurudziro chinowanikwa pekutanga pechiito asi chegoneko chiri pakati pechiito.

Donzo rezvanga zvichiitika

Donzo iri rinobudisa pfungwa yezvanga zvichiitika pazoitika chimwe chinhu. Rinozivikanwa nechivakaizwi /-chi-/

kana /-i-/

  1. Vana vanga vachirwa pasvika mudzidzisi.
  2. Anga achichema paazobatsirwa nemapurisa.
  3. Taifara zvedu pakasvika sekuru.

Donzo rekuudza

Rinoratidzwa nenguva dzezviito. Rinoburitsa kuitika kwezvinhu munguva dzakasiyana. Inogona kuva nguva yazvino, yakare kana ichauya. Sokuti:

  1. Nhasi ndagerwa musoro.
  2. Mwana akakunda mubvunzo gore rapera.
  3. Mudhorobha munonetsa magetsi.
  4. Vana vachanyora bvunzo mangwana.
  5. Ndoenda kumusha.

Donzo rekutuma

Donzo iri rine mhando mbiri:

(i)   kutuma munhu mumwe chete asingaremekedzwi. Mienzaniso: Rova mwana.

Enda unotora huni.

(ii)  kutuma munhu mumwe chete anoremekedzwa kana kuti vanhu vazhinji.

Rorai mwana.

Endai zvakanaka.

Nzvovera yekupedzisira pachiito chekutuma munhu mumwe chete anoremekedzwa, kana vanhu vazvinji ndi /-i/. Nzvovera yekupedzisira yekutuma munhu mumwe chete asiri kukudzwa ndi/-a/.

Donzo redudziramuiti

Zviito zviri mudonzo iri zvinoburitsa muiti wechinhu. Apa panobuda tsananguro pamusoro pechataurwa nezvacho. Sokuti:

  1. Vana vakakundikana vose vakadzokorora.
  2. Mukadzi arohwa ndiye asungwa.
  3. Vanhu vanomwa doro garai pasi.

Donzo rechishuwo

Iyi imhando yedonzo rechiito inoshandiswa kubudisa pfungwa yokushuvira kuita zvimwe zvinhu. Panogona

kushandiswa kuti, sokuti:

  1. Ndikada kuti ndisumuke handisviki.
  2. Tinodzidza kuti tibudirire.
  3. Vapei sadza (kuti) vadye.

Nzvovera yekupedzisira yechiito chine donzo rechishuwo ndi/-e/.

Donzo rezvakatevera/Nhevedzano

Iri idonzo rechiito rinotaridza chiitiko chinenge chaitika mushure mechimwe, kana kuti chichitevedzana nechimwe. Sokuti:

  1. Vakasvika vakabatana maoko.
  2. Takasvika tikabika.

Shandisa chiito / dyara / muzvirevo uchibudisa madonzo ezviito anotevera.

(i)    rekuita

(ii)   rekurudziro

(iii)  rekwaniso

(iv)  rezvanga zvichiitika

(v)   rekuudza

(vi)  rekutuma

(vii) redudziramuiti / muitirwi