O Level Revision : Shona - Zviratidzanguva
Zviratidzanguva zvivakazwi zvepachiito zvinoratidza nguva dzakaitika, dzaitika, dzinogona kuitika nedzichaitika chiito.
Zviratidzanguva zvivakazwi zvepachiito zvinoratidza nguva dzakaitika, dzaitika, dzinogona kuitika nedzichaitika chiito.
Mhando dzezviratidzanguva
Chiratidzanguva chezvichangobva kuitika
Ichi chinoonekwa na -a-. Chinototaridza zvinhu zvaitika zuva iroro kubva pakumuka asi zuva racho rinenge risati rapera sokuti:
Tamuka mangwanani. Taenda kumuchato.
Chiratidzanguva chezvakaitika
Ichi chinoonekwa na-ka-. Chinotaridza zvinhu zvakaitika kare kubva zuva richangopfuura zvichidzoka kumashure sokuti:
Vakaenda nechitima. Ndakamuka usiku.
Chiratidzanguva chezvinogaroitika
Ichi chinoonekwa na-no- sokuti:
Vanogara kuChiredzi. Ndinoda sadza.
Chiratidzanguva chezvichaitika Ichi chinoonekwa na-cha- sokuti: Vachadya manheru.
Tichaenda mangwana.
Chiratidzanguva chezvavapedyo kuitika
Ichi chinoonekwa na-o- sokuti: Tonwa here?
Ndodzoka hangu here?
Zvitinha zvanga zvoda kumudonhera.
Chiratidzanguva chezvaigaroitika Ichi chinoonekwa na-ai-/ -i-/ sokuti: Aivhima musango irori.
Taitambira bhora munhandare iyoyi.
Chiratidzanguva chezvinogona kuitika Ichi chinoonekwa na-nga-/ sokuti: Angadzoke kana mukamufonera.
Ndingafambe netsoka kana ndikashaiwa mari yebhazi.
Chiratidzanguva chezvanga zvichiitika Ichi chinoonekwa na-chi-/ sokuti: Ndavaona vachitamba panze.
Tasvika vana vachidya sadza.
Mibvunzo
Chiito chega chega chine mutsetse pasi pacho chine chiratidzanguva chipi? Nyora chiratidzanguva chacho uye ugodoma zita racho.
a) Hama dzangu dzinogara b) Takasvika zuva ratodoka.
c) Nguva zhinji inga taifamba tose!
d) Vakaba vacharangwa zvikuru nemutemo. e) Aenda kumusha kwake.
f) Ndouya neshamhu here?