O Level Revision : Shona - Zviratidzanguva

Zviratidzanguva   zvivakazwi   zvepachiito   zvinoratidza   nguva   dzakaitika,   dzaitika, dzinogona kuitika nedzichaitika chiito.

Zviratidzanguva   zvivakazwi   zvepachiito   zvinoratidza   nguva   dzakaitika,   dzaitika, dzinogona kuitika nedzichaitika chiito.

 

Mhando dzezviratidzanguva

 

Chiratidzanguva chezvichangobva kuitika

Ichi chinoonekwa na -a-. Chinototaridza zvinhu zvaitika zuva iroro kubva pakumuka asi zuva racho rinenge risati rapera sokuti:

Tamuka mangwanani. Taenda kumuchato.

 

Chiratidzanguva chezvakaitika

Ichi   chinoonekwa   na-ka-.   Chinotaridza   zvinhu   zvakaitika   kare   kubva   zuva richangopfuura zvichidzoka kumashure sokuti:

Vakaenda nechitima. Ndakamuka usiku.

 

Chiratidzanguva chezvinogaroitika

Ichi chinoonekwa na-no- sokuti:

Vanogara kuChiredzi. Ndinoda sadza.

 

Chiratidzanguva chezvichaitika Ichi chinoonekwa na-cha- sokuti: Vachadya manheru.

Tichaenda mangwana.

 

Chiratidzanguva chezvavapedyo kuitika

Ichi chinoonekwa na-o- sokuti: Tonwa here?

Ndodzoka hangu here?

Zvitinha zvanga zvoda kumudonhera.

 

Chiratidzanguva chezvaigaroitika Ichi chinoonekwa na-ai-/ -i-/ sokuti: Aivhima musango irori.

Taitambira bhora munhandare iyoyi.

 

Chiratidzanguva chezvinogona kuitika Ichi chinoonekwa na-nga-/ sokuti: Angadzoke kana mukamufonera.

Ndingafambe netsoka kana ndikashaiwa mari yebhazi.

 

Chiratidzanguva chezvanga zvichiitika Ichi chinoonekwa na-chi-/ sokuti: Ndavaona vachitamba panze.

Tasvika vana vachidya sadza.

 

Mibvunzo

 

Chiito chega chega chine mutsetse pasi pacho chine chiratidzanguva chipi? Nyora chiratidzanguva chacho uye ugodoma zita racho.

a) Hama dzangu dzinogara  b)    Takasvika zuva ratodoka.

c) Nguva zhinji inga taifamba tose!

d) Vakaba vacharangwa zvikuru nemutemo. e)    Aenda kumusha kwake.

f)  Ndouya neshamhu here?